Mbambaira kana mabura (Sweet potatoes) idzinde rinobereka midzi inobumba pasi pevhu.
Vamwe vatauri vanoti mabura kana kuti madima. Mbambaira netsenza dzinorimirwa muhomba kana kuti mhani
Mbambaira dzinobikwa nemvura pamoto dzichifashaidzwa kwechinguva, kana kuti dzinogochwa mumazimbe emoto. Vazhinji vanotanga vabvisa makanda vasati vadya asi kune vamwe vanodya nemakanda adzo. Vamwewo ndivo vanodya dzisina kubikwa.
Mbambaira kana mabura (Sweet potatoes) idzinde rinobereka midzi inobumba pasi pevhu.
Vamwe vatauri vanoti mabura kana kuti madima. Mbambaira netsenza dzinorimirwa muhomba kana kuti mhani
Chikone (mashed cooked vegetable) kureva nhopi yakaitwa nematapiri kana tsenza dzakapwanywa mushure mekubikwa. Harwa (Ridge for planting in its first stage of construction) apa kureva muhomba uri kutangwa kuumbwa. Kune musha unonzi Masiyaharwa kwaZvimba. Kaguri kana hwupi (Bulbous root) apa kureva mudzi wakabumbira sembambaira. Chimarata kana chimbarata Short, brown var sweet potato. Chimero (Bulb, tuber general name). Muhomba kana mudzere (ridge for planting sweet potatoes).